Mutauro (Advanced Shona Vocabulary)
- Mukadzi anozvara vana vakafa anonzi Svusvura.
- Mwana anofira mudumbu anonzi Pfonda.
- Vabereki vakafirwa nevana vose vanonzi Tsuro/muzvarireivhu.
- Muroora mukuru mumusha anonzi Ndangaruvanze/hosi.
- Mukwasha mukuru anonzi Nhangaruvanze.
- Muvhimi wechikadzi anonzi Maisiri.
- Mwana anofa asati amera mazino anonzi Gambe
- Â Â Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi dangwe.
- Â Â Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi gotwe.
- Â Â Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi nevanji.
- Â Â Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi (vaMoyo).
- Â Munda mutsva unonzi gombo.
- Â Â Tinorima nzungu nenyimo mutseu.
- Â Â Tinorima muriwo mubindu.
- Â Â Munda waimborimwa kare unonzi gura.
- Â Tinorima mupunga mudoro.
- Â Â Murume abve zera anonoka kuroora anonzi tsvimborume.
- Â Â Mhanje mukadzi asingabereki.
- Â Â Ngomwa murume asingabereki.
- Â Â Pfunda murume akafirwa nemukadzi.
- Â Â Mukadzi akafirwa nemurume anonzi chirikadzi.
- Â Nherera mwana akafirwa nevabereki.
- Â Â Musiyiwa munhu akafirwa.
- Â Â Tsiru imombe hadzi isati yabereka.
- Â Â Mombe hono inosungwa inonzi dhonza.
- Â Â Mhou imombe hadzi inobereka.
- Â Â Ramba imombe hadzi isingabereki.
- Â Â Mufushwa muriwo wakaomeswa.
- Â Â Nyama yakaomeswa inonzi chimukuyu.
- Â Â Shupa izai risingatsotsonywi.
- Â Â Gavamwedzi mwana anozvarwa nguva isati yasvika.
- Â Â Nyemba isingaibvi inonzi nhinhi.
- Â Â Manda mafuta enyama.
- Â Â Horomba igudo guru rinofamba roga.
- Â Â Chitunha muviri wemunhu akafa.
- Â Â Munhu asinganzwi anonzi matsi.
- Â Â Pakabva zino panosara vende kana kuti nyada.
- Â Â Bofu munhu asingaoni.
- Â Â Chimumumu munhu asingatauri.
- Â Â Mwana anozvarwa akafa anonzi gambe.
- Â Â Makudo anorara pachiro.
- Â Â Nzuma imombe isina nyanga.
- Â Â Tsote imhuka hadzi isingabereki.
- Â Â Mombe hono isina kuchekwa inonzi handa.
- Â Â Dore imombe yakwegura.
-  Munin’ina kana mukoma wemurume wako anonzi muramu.
- Â Â Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi vagota.
- Â Â Mukadzi washe wokutanga anonzi mukaranga.
- Â Â Vahosi mukadzi mukuru paguru.
- Â Â Murongo mukadzi mutsva.
- Â Nyachide mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.
- Â Â Mukurungai mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako.
- Â Â Gota imba inorara vakomana.
- Â Â Nhanga imba inorara vasikana.
- Â Murume akwegura anonzi harahwa.
- Â Â Mukadzi akwegura anonzi chembere.
- Â Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi tsikombi.
- Â Â Musikana asingaroorwi anonzi mbonga.
- Â Â Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi durika.
- Â Â Munhu akafa karekare anonzi mukare.
- Â Â Wedzinza rako akafa karekare anonzi tateguru.
- Â Â Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi goremucheche.
- Â Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi bikiro.
- Â Â Bombwe mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.
- Â Â Fende munhu anehutsvina.
-   Bondwe mukadzi wechipiri pabarika ari munin’ina wemukadzi wekutanga.
- Â Â Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi chirigo.
- Â Â Bakuro chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.
- Â Â Chigadzamapfihwa mukadzi wenhaka.
- Â Â Chimutsamapfiwa mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume akafirwa.
- Â Â Chimwayange munhu anotaurisa uye achinyepa.
- Â Â Humburukwa murume akafirwa nemukadzi.
- Â Â Gwevedzi munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.
- Â Â Mbeveve munhu asingatauri.
- Â Â Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi nduma sechiratidzo cherudo rwavo.
- Â Â Nyachide mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari.
- Â Â Mukadzi mudiki paguru anonzi mukadzinyina.
- Â Â Gupuro imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.
- Â Â Chekaukama imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama naye.
- Â Â Danga imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.
- Â Â Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi mvana.
- Â Â Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi sadombo.
- Â Â Barika kana kuti guru musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva imwe chete.
- Â Â Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi muzvere.
- Â Â Munhu anotya zvikuru anonzi gwara.
- Â Â Mhizha inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.
- .
- Â Â Charavanda mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura.
- Â Â Chifemba idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.
- Â Â Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi chiwanano.
- Â Â Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi chirairo.
- Â Â Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi chisvusvuro.
- Â Â Hurudza murimi anemukurumbira.
- Â Â Nyamukuta munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.
- Â Â Chirara indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.
- Â Dongo musha wakatamiwa