Madimikira, Shona idioms and their meanings in Shona
1. Kupura nyemba nemusana-
kugarika zvikuru
.2. Kunwisa mvura-
kunaka/kuyevedza.
3. Kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru-
kubatsirana.
4. Kuve nechinya chiri pahuma segurwe-
kuve nehasha zvikuru.
5. Kuzvimbirwa nenyemba dzevabvuwi-
kuita pamuviri.
6. Kuita gomo risina ukwiriko-
munhu anotyisa kana atsamwa.
7. Kufemera pamusoro sendere-
kutsamwa zvakanyanya.
8. Kuitwa kanyama kanyama-
kubatsirana kurohwa.
9. Kutsika madziro-
kurambisisa zvachose.
10. Kuomesa musoro sedambakura-
kurambisisa.
11. Kusiya wapisa musha- kushaya musha wekudzokera kana warambwa nemurume.
12. Kuve netsika dzakananzwa nembwa- kuve nehunhu hwakashata.
13. Kuita mazambukoemadzvinyu nemakwereveshe- vasikana vanongogara nevakomanavakareruka.
14.Kutevera kwakaenda dzeroora- kudzokera kumusha kwavo varambwa.
15. Kubata mbereko- kuita pamuviri/kuita nhumbu/kuzvarwa mwana.
16. Kuita bonde- kurara kwemunhurume nemunhukadzi.
17.Kuisa musoro pamwe chete- kubatana pakuita chinhu chinounza budiriro.
18. Kuita dzimba dzavo- kuva vakaroorwa/kuva nemusha nemhuri yavo.
19. Kubva zera- kuyaruka/kuva wakura zvokugona kuroorwa.
20. Wafa Wanaka- munhu kana afa haachina mhaka nemunhu.
21. Kurova guva- kuchenura/kudzora mweya womufi mumusha.
22. Kuchenura mufi- kuchenesa mweya womufi kuti ugone kuzochengeta mhuri yawakasiya.
23. Kugara gata- kuenda kun’anga kuti vaone kana guva risina kupiswa.
24. Kubaya vapenyu- kurwarisa vemhuri vapenyu vane ukama nemunhu akafa.
25. Kuozha imba yandakavata- kusvibisa guva.
Practice
Click here to take a quiz and test your knowledge.