Madimikira nezvaanoreva

Madimikira, Shona idioms and their meanings in Shona

1. Kupura nyemba nemusana-

kugarika zvikuru

.2. Kunwisa mvura-

kunaka/kuyevedza.

3. Kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru-

kubatsirana.

4. Kuve nechinya chiri pahuma segurwe-

kuve nehasha zvikuru.

5. Kuzvimbirwa nenyemba dzevabvuwi-

kuita pamuviri.

6. Kuita gomo risina ukwiriko-

munhu anotyisa kana atsamwa.

7. Kufemera pamusoro sendere-

kutsamwa zvakanyanya.

8. Kuitwa kanyama kanyama-

kubatsirana kurohwa.

9. Kutsika madziro-

kurambisisa zvachose.

10. Kuomesa musoro sedambakura-

kurambisisa.

11. Kusiya wapisa musha- kushaya musha wekudzokera kana warambwa nemurume.

12. Kuve netsika dzakananzwa nembwa- kuve nehunhu hwakashata.

13. Kuita mazambukoemadzvinyu nemakwereveshe- vasikana vanongogara nevakomanavakareruka.

14.Kutevera kwakaenda dzeroora- kudzokera kumusha kwavo varambwa.

15. Kubata mbereko- kuita pamuviri/kuita nhumbu/kuzvarwa mwana.

16. Kuita bonde- kurara kwemunhurume nemunhukadzi.

17.Kuisa musoro pamwe chete- kubatana pakuita chinhu chinounza budiriro.

18. Kuita dzimba dzavo- kuva vakaroorwa/kuva nemusha nemhuri yavo.

19. Kubva zera- kuyaruka/kuva wakura zvokugona kuroorwa.

20. Wafa Wanaka- munhu kana afa haachina mhaka nemunhu.

21. Kurova guva- kuchenura/kudzora mweya womufi mumusha.

22. Kuchenura mufi- kuchenesa mweya womufi kuti ugone kuzochengeta mhuri yawakasiya.

23. Kugara gata- kuenda kun’anga kuti vaone kana guva risina kupiswa.

24. Kubaya vapenyu- kurwarisa vemhuri vapenyu vane ukama nemunhu akafa.

25. Kuozha imba yandakavata- kusvibisa guva.

Practice

Click here to take a quiz and test your knowledge.

Spread the love

Leave a Comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

error: Content is protected!!
Scroll to Top