Mutauro (Advanced Shona Vocabulary) Avuțian
- Mukadzi anozvara vana vakafa anonzi Svusvura.
- Mwana anofira mudumbu anonzi Pfonda.
- Vabereki vakafirwa nevana vose vanonzi Tsuro/muzvarireivhu.
- Muroora mukuru mumusha anonzi Ndangaruvanze/hosi.
- Mukwasha mukuru anonzi Nhangaruvanze.
- Muvhimi wechikadzi anonzi Maisiri.
- Mwana anofa asati amera mazino anonzi Gambe
- Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi dangwe.
- Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi gotwe.
- Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi nevanji.
- Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi (vaMoyo).
- Munda mutsva unonzi gombo.
- Tinorima nzungu nenyimo mutseu.
- Tinorima muriwo mubindu.
- Munda waimborimwa kare unonzi gura.
- Tinorima mupunga mudoro.
- Murume abve zera anonoka kuroora anonzi tsvimborume.
- Mhanje mukadzi asingabereki.
- Ngomwa murume asingabereki.
- Pfunda murume akafirwa nemukadzi.
- Mukadzi akafirwa nemurume anonzi chirikadzi.
- Nherera mwana akafirwa nevabereki.
- Musiyiwa munhu akafirwa.
- Tsiru imombe hadzi isati yabereka.
- Mombe hono inosungwa inonzi dhonza.
- Mhou imombe hadzi inobereka.
- Ramba imombe hadzi isingabereki.
- Mufushwa muriwo wakaomeswa.
- Nyama yakaomeswa inonzi chimukuyu.
- Shupa izai risingatsotsonywi.
- Gavamwedzi mwana anozvarwa nguva isati yasvika.
- Nyemba isingaibvi inonzi nhinhi.
- Manda mafuta enyama.
- Horomba igudo guru rinofamba roga.
- Chitunha muviri wemunhu akafa.
- Munhu asinganzwi anonzi matsi.
- Pakabva zino panosara vende kana kuti nyada.
- Bofu munhu asingaoni.
- Chimumumu munhu asingatauri.
- Mwana anozvarwa akafa anonzi gambe.
- Makudo anorara pachiro.
- Nzuma imombe isina nyanga.
- Tsote imhuka hadzi isingabereki.
- Mombe hono isina kuchekwa inonzi handa.
- Dore imombe yakwegura.
- Munin’ina kana mukoma wemurume wako anonzi muramu.
- Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi vagota.
- Mukadzi washe wokutanga anonzi mukaranga.
- Vahosi mukadzi mukuru paguru.
- Murongo mukadzi mutsva.
- Nyachide mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.
- Mukurungai mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako.
- Gota imba inorara vakomana.
- Nhanga imba inorara vasikana.
- Murume akwegura anonzi harahwa.
- Mukadzi akwegura anonzi chembere.
- Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi tsikombi.
- Musikana asingaroorwi anonzi mbonga.
- Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi durika.
- Munhu akafa karekare anonzi mukare.
- Wedzinza rako akafa karekare anonzi tateguru.
- Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi goremucheche.
- Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi bikiro.
- Bombwe mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.
- Fende munhu anehutsvina.
- Bondwe mukadzi wechipiri pabarika ari munin’ina wemukadzi wekutanga.
- Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi chirigo.
- Bakuro chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.
- Chigadzamapfihwa mukadzi wenhaka.
- Chimutsamapfiwa mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume akafirwa.
- Chimwayange munhu anotaurisa uye achinyepa.
- Humburukwa murume akafirwa nemukadzi.
- Gwevedzi munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.
- Mbeveve munhu asingatauri.
- Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi nduma sechiratidzo cherudo rwavo.
- Nyachide mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari.
- Mukadzi mudiki paguru anonzi mukadzinyina.
- Gupuro imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.
- Chekaukama imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama naye.
- Danga imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.
- Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi mvana.
- Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi sadombo.
- Barika kana kuti guru musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva imwe chete.
- Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi muzvere.
- Munhu anotya zvikuru anonzi gwara.
- Mhizha inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.
- .
- Charavanda mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura.
- Chifemba idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.
- Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi chiwanano.
- Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi chirairo.
- Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi chisvusvuro.
- Hurudza murimi anemukurumbira.
- Nyamukuta munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.
- Chirara indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.
- Dongo musha wakatamiwa



